Nziramasanga, features two stories: Kuwadzana and Mbudzi Yakarasirirwa.
Kuwadzana
Pfumvu yaioneswa vatema muZimbabwe munguva yehondo yeChimurenga inoti kusuwisa ikati kusetsa. Hondo iyi yakaunza kuwadzana kwamarudzi pamwe negwara regutsaruzhinji. Mutambo uno uchagutsa nhuna dzavaye vane shungu yokuverenga nezvenhoroondo yeChimurenga iyo yakasunungura Zimbabwe kubva kuvapambipfumi, vadzvanyiriri nevasvetasimba nezvimbwasungata zvavo. Kuti munzwe zvakaitika zviverengereiwo mega.
Mbudzi yakarasirirwa
Hondo yeChimurenga ichangopera, vatema vawana kuzvitonga kuzere, panonyuka chikwata chevaRunguvatema icho chinodzvanyirira vanhu mumabasa. Kambani inorasa gwara regutsaruzhinji vanhu vopinda basa kana kusimudzirwa pabasa nechizivano, chiokomuhomwe negwevarudzi kusvikira paita strike iyo inokonzera kudzingwa basa kwaPersonnel Manager. VaRunguvatema ava havana masimba chaiwo okuti vatevere gwara regutsaruzhinji nokuti varanda vecompany policy neugutandoga — ndiyo mbudzi yakarasirirwa iyoyo. Mutambo uyu wakanyorwa nechiShona chinotibura mwoyo — kupedza nyota huenda patsime.
No reviews found